audio
audioduration (s)
9.06
31.6
transcription
stringlengths
36
438
vanhu vari kugocha nyama pamusoro pe bhurai sitendi yakagadzirwa newaya mubhurai sitendi umu mune mazimbe akatsvuka moto kuti piriviri pamusoro pane nyama imwe inoratidza kuti yava kuibva neimwe inoratidza kuti ichangoiswa
mudhorobha panzvimbo panosangana migwagwa pane ma traffic lights mumugwagwa mune motokari zhinji dzirikuenda kwakasiyana siyana pane chikwangwani chekushambadzira mutungamiriri wenyika yezimbabwe nechemberi kune imba yemuturikidzanwa headquarters yemusangano wezanu pf neoerutivi rweruboshwe kune imba yemuturikidzanwa zvakare
ivhu rakachenuruka rakamera sora nemakwenzi ane zvivana zvakasvibirira nezvakacheneruka
vanhu vazhinji vane mizero yakasiyana vakuru nevaduku vamwe vari kufamba vamwe vakagara pasi panoratidza kuti pamusha sezvo pane dzimba imwe imba yacho yakavakwa yakaita dendenedzwa ikapfurirwa nehuswa hunoratidza kuti hwatsvuka chinai zvichibva zvaita kuti tizive kuti ndimo mumba munobikirwa
ngoro yemombe yakagadzirwa namarata simbi nebango yakamira ine ruvara rwegirini parutivi pane madzimai akagarira mabhakiti rimwe reyero rimwe richena
tambo dzemagetsi dzineruvara rutemashiri yakanhara ipapo ineruvara rutemandinoona ruvara rwupfumbu muzasi memagetsi
mugwagwa unofambawo dzimotokari dzichienda kwakasiyana siyana nezvibhodhi zvirimukati memugwagwa uyu zvakadhirowewawo zvinhu kurutivi kunewo majurahoro akakomberedza zvivakwa kozoita miti irikukura iripo
mota mbiri dzinotakura zvinhu zvinorema mota dzacho dzine ruvara rutsvuku pakati pemota panewo murume akamira murume wacho akapfeka hembe yakada kucheneruka kumusoro
ndirikuona nhumbi nhumbi iyi ine mabhatani ine mavara mavara mamwe acho matsvuku mamwe acho machena yakanyorwa nyorwa muchena nebhureki
vanhu vakagara vari vechirume vakazendamira kumasimbi panoonekwa masimbi emahwindo furemu uyewo kumberi kune vanhu vakagara pasi nemotokari yakapakwa kumberi
mugwagwa unetara mujinga memugwagwa uyu munoratidza kuti mune miti mikuru yemijakaranda pasi pemiti iyi pane sora rakauma zvinobva zvaita kuti tione kuti rava nenguva yakareba risina kumbowana mwando kana kunaiwa nemvura
ruoko rwakabata haryana ine ruvara rutema haryana ine ruvara rwebhurawuni ine chitanda
mugwagwa wakapamhamha unetara mumugwagwa umu muri kufamba motokari dzemhando dzakasiyana mujinga mavo mune vanhu vamwe vakamira vamwe vari kufamba varume nevakadzi nemidhori yakanaka mikuru yatiri kuona panzvimbo iyi zvinobva zvatiradza kuti iri pakati pedhorobha
mwana wechikoro akapfeka yunifomu yake yechikoro akabereka bhegi rakashama pamuromo akaisa masiki akamira panzvimbo inotengeswa zvinhu zvakasiyana siyana zvinosanganisira tsangamidzi tuhembe netumwewo tudyiwa twakaita sehanyanisi
paungano yevanhu pane vasikana vaviri nemumwe mukomana vakamira vanhu awa vakapfeka nhumbi dzakada kufanana nechekushure kwavo kune vanhu wakawatarisa
pamberi peumwe musha urikuitwa seuri kuvakwa pane murume akamira ipapo pedyo nemurume uyu kune matombo akatemwa temwa akaunganidzwa zvinoratidza sekunge shure kweimba iyi kune muti
pakati pemugwagwa uri mudhorobha pane vanhu vari kupesana nechekurutivi kwemugwagwa uyu kune dzimba dzemuturikidzanwa kozotio dzimwe mota dzakamira kurutivi kwemugwagwa uyu
nzvimbo ine zvivakwa zviripo zvakapendewa kunze kwazvo iri kuratidzao kuti iri nechemujinga megomo iro rizere miti nehuswa pamwechete nematombo zvekare iri kuratidza kuti iri mukati mefenzi yakaikomberedza
mugwagwa une tara mumugwagwa umu nzvimbo yatakaratidzwa inodarika nevanhu yatingati zebhura kirosi sezvo pakapendwa nependi chena yakaita mitaro yakabhafa nechekurutivi kwacho tirikuona hunde yemuti mukuru unoratidza kuti wakomba
uyo muwunganidzwa wemichero inodjiwa pamba inosanganidzira ma banana napopo ma nanjisi malemoni anovava mamengo nezvihenge
imba yokutandarira yakanatso shongedzwa zvakanaka kumusoro kune ruvara ruchena madziro emuzasi ane ruvara rweyero mune masofa akanaka ane ruvara rwebhurawuni kwoita tafura ine ruvara rwebhurawuni zvekare
imba ine ruvara rweghireyi nepasi patsvuku pamusuwo pakaiswa dhishi rekutora masaisai richiisa kuchivhiti vhiti mberi kweimba iyi tirikuonawo jojo tengi ririkuchengeterwa mvura
ngarikuni gonho rakatsamwa nokuti rasimudza mapariro aro nemuswe waro uye mhambo nejongwe zviripo zviri kufamba paruvazhe pamwechete negarikuni
mudzimai wakatarisa pasi achiratidza zvirimumusoro make kuti tione humhizha hwakaitwa musoro make neakamugadzira musoro wakaiswa ruvara rwutsvukubvudzi rake roratidza kuti nderekutenga rakaiswa zvakanaka musoro make
muti muhombe uri pakati pemazidombo mahombe nekamuti kakaoma kane mashizha mashoma nematombo madiki
mugwagawa une tara une motokari dzinofambamo panewo motokari chena imwe yakavhurika kumasure zvakare pane miti iri pedo nemugwagwa imwe yemiti ine maruva epepuru
mureza une ruvara rweorenji pamusoro nerutsvuku pazasiune chipukanana chine ruvara ruchena nerutema chakashama muromo chine makumbo akabata zvinhu
vakomana vashanu vatema vechidikivari mukati menhandare yekutambira mutambouye zve vakapfeka bhutsu dzekutambisa nhabvu dzine ruvara rwegiriniimwe tsvuku imwe temauyezve vakapfeka hembe dzekutambisa mutambo
mishonga iri mumabhodhoro mishonga iyi yakasiyana yakaiswa zvipepa pakati chimwe ndeche ranjisi chimwe chichena chimwe cheyero
mudzimai akamira pajinga pemuti kuti asarohwe nezuva akapfeka nguwo dzineruvara rutema kumusoro nekuzasi akapfeka shangu chena uye akabereka bhegi rineruvara rwekirimu arikubayaaya nharembozha yake
zvuma madhikausi mhete nezvindori zvinoiswa nemukadzi semucherechedzo wechitendwa chake chechinyakare munzvimbo yaanenge achiraramira
bhazi guru ririkufamba mumugwagwa rine ruvara rutsvuku ruchena neyero rakanyorwa ne bhuruu kumativi kune mafafitera akawanda matema
motokari yakanaka ineruvara rwebhuru yakasvibira yakashongedzwa nemachira motokari iyi yakashongedzwa nemachira aneruvara rwepingi nemachena nechemuzasi inejira rineruvara rwepingi neruchena zvekare
bhuru remombe rinoonekwa rine nyundwa yakakura uyewo nyanga dzayo dziri pfupi pfupi nzeve dzayo dzakakura mutsipa mayo mutema mudumbu mayo makasvibirira
dzimba tsva dzinotaridza kuti dzimwe dzichiri kuvakwa dzimwe dzichangopera kuvakwa jecha rinotaridza kuti panga pachiri kuvakwa uye dzimwe dzichiri kuvakwa riri parutivi uye motokari irimukati megaraji pamwechete neimwe iri kunze
muneimwe nzvimbo iri mudhorobha kuna amai vakafuka amburera varikufamba nechekumativi kwemugwagwa wemotokari kune mvura yakadonhera ikoko zvichitaridzika senge kwanaya
midhuri miviri yakavakwa panzvimbo imwe chete imwe yemidhuri iyi ine chidziro chine ruvara ruchena imwe yacho ine chidziro chine ruvara rwebhurauni yakakomberedzwa neruzhowa rwamaruva anokura achienda mudenga akachekererwa zvinomwisa mvura
musikana uyu akarukwa musoro wake zvinhu zvakarukwa netsono asi zvimwe zvakarukwa nevhudzi rekutengwa akaiswazve zvuma pane rimwe vhudzi rake zvuma zvichena nezvimwe zvine ruvara rwepingi
motokari iri kufamba mumugwagwa vanhu vari kuyambuka mugwagwa musika une makadhibhokisi bhengi reafc uyezve chivezwa chemunhu
vanhu vazhinji vanosanganisira varume nevakadzi vamwe varikufamba vamwe ndivo vakamira zvavo mujinga memugwagwa tichifungidzira kuti vanogona kunge vakamirira motokari dzokufamba nzendo kune vamwe varikumberi vari kutengesa
mombe yakabuditsa mazino panze inoonekwa nhimo yayo inoonekwa maziso ayo nenyanga mombe iyi musoro wayo ndewerudzi rwebhurauni uyewo inoonekwa nzeve dzakarembera
wachi dzinopfekwa mumaoko dzakasiyana siyana dzimwe dzino rudzi rwesirivha dzimwe dzine rudzi rwegoridhe idzi dzinoshandiswa pakuona nguva yakapfekwa muruoko
zhira inofamba nevanhu vetsoka vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana pane tumakwenziwo twegirinhi twunoratidza kuti twurikukura zvakanaka pasi panoratidza kuti pave nenguva kusina kumbonaya munzvimbo iyi
chitendero madzimai akaungana vakasunga misoro uye vakavhumbama maoko avopane midhuri uripo usina kupendwa
mishina iri muchitoro iri kutengeswa inoshanda mabasa akasiyanasiyana mishina iyi yakaiswa mumabhokisi iri pamasherefu ichitengeswa iri mumabhokisi akasiyanasiyana ane ruvara rwakasiyanasiyana pane akaiswa mumabhokisi matsvuku mamwe mabhokisi ebhuruu zvichingodaro
panzvimbo ine zvitoro zvakawanda pane vanhu vakawanda varikufamba vachipesana pamberi pechimwe chitoro pane murume akamira akaisa maoko muhomwe
dziva rine mvura kozoitawo mhuka huru inonyanya kugara mumvura iyo inodanwawo kuti garwe yakamira nechepadivi pedziva iri yakashamawo muromo wayo kuratidza kuti iri kutsvaka zvokudya
vanhu vamwe vakamira nevakagara vamwe varume vamwe vakadzi pane zvimatende zvakafukidzira zvinhu zvakawanda zvinosanganisira zvimwiwa nemachipisi zvakatsvetwa zviri kuratidza kuti zviri kutengeswa
munhandare yebhora paine akabata bhora vasikana vakapfeka nhumbi dzemakara akasiyana vanhu vachiokera vari kunze kwefenzi
bhazi guru rinotakura vanhu riri pamugwagwa mukuru wetara rakanyorwa padumbu kuti city link rine ruvara ruchena muviri wose bhazi iri rakananga kuguta guru reharare
sango riri kuratidza kuti rine miti yakawanda chaizvo iyo inamapazi madiki nemahombe pamwe chete netumashizha tudiki diki twegirinhi miti yakakoshawo nokuti inopa vanhu huni nezvimwewo zvakasiyana
mugwagwa une tara mumugwaga umu muri kufamba motokari dziya dzinoshandiswa nevazhinji kunyanya mumadhorobha vachifamba vachibva kumarokesheni vachienda pakati pedhorobha vachiita iya inonzi mishika shika nechekumberi kwacho tiri kuona motokari huru gonyeti rakamira rakasengedzwa mushini unonzi kireni wekusimudza zvinorema
vanhu vari kufamba munzira vamwe vakasenga mabheke vake vasina paine miti iri pedo yerudzi rwemujakaranda iri kuwisa maruva
matombo makuru akaturikidzana zvinonakidza kuona sezvo doko riripasi guru pamusoro ziguru racho rine manaranazha pasi pematombo aya panoratidza kuti panorasirwa marara neruzhinji sezvo pane marara akasiyana anosanganisira zvigubhu nemapepa
munhandare yemutambo we kricketi munemutambi akapfeka hembe yegirini arikufamba mutambi uyu arikuratidza kuti arikufambisa nechekunze kwemugwagwa uyu kunevanhu variko vakamutarisa
mbudzi hombe chaizvo dzine ruvara ruchena nerwebhurauni idzo dzirikufamba mumasora egirini neakaoma
mukomana akamira panzvimbo inotambirwa mutambo webhora remakumbo akabereka maoko ake kumusana akapfeka bhurugwa pfupi roruvara rutema rinemitsetse kumadivi nehembe chena inemaoko mapfupi ine mitsetse nebhutsu jena padivi panoonekwa pane chikoni choruvara rweyero
vana vanokwana kuita ivo vana vakamira munhandare inotambirwa mutambo webhasikiti bho vakabatawo mabhora mumaoko avo uye vakapfeka nhumbi dzinoratidza kuti vange vachidzidzira kutamba mutambo uyu
zimuti riri pedyo pemugwagwa wemotokari pasi pezimuti uyu pane mumvuri uyezve pane marara akawanda emamhando dzakasiyana kusanganisira mapepa uye zvigubhu
imba inoratidza kuva yokuruzevha kana kuti imba yemunzvimbo dzezvitoro zvikuru zvemumaruzevha kana kuti nzvimbo ichangogara vanhu imba yacho haina kupendwa asi yakaiswa denga remasibhesita
zvimhuka zvakaita zvikiti zviviri zviri mumuti zviri kukakatirana chokudya chakaita chitanda kana chimuti china mashizha zvino ruvara ruchena noruvara rweorenji chimwe chiri kumusoro chakatarira pasi chimwe chakagara padanda chakatarira pane zvazviri kukweverana
chitenge chinoratidza kuti ndechiya chinoshandiswa kuti panenge paine tsime tsime iri rinoratidza kuti rakacherwa rikavakirwa rikaiswawo mataira kwava kuvhara chivharwa kuti musapinda tsvina mumvura iyi
parutivi pemugwagwa wetara pane munhu akagara pasi pemusambureni une ruvara rwegirini munhu uyu akawaridza zvinhu zvekutengesa
muti wemumengo mugodhi chigaba chekucheresa mvura maruva huswa hudikidiki hwakasvibira
sadza rakabikwa nehupfu huchena nyama yakabhoirwa isina kukangwa ndiro ine ruvara rwebhurauni kumucheto ichena pasi pane ruvara rwebhuru
mugwagwa unofambawo dzimotokari wakagadzirwa netara nechepadivi pemugwagwa uyu pakadyarwawo maruva ayo akagadzira heji pozoiwo miti irikukura iripo nemasimbi akagadzirwa kuti ange akakomberedza zvivakwa
mugwagwa wakapfumba unoratidza kuti unofamba motikari zhinji pajinga pemugwagwa uyu pane mudhuri mukuru wakavakwa unoratidza kuti chitoro wakaiswa inonzi parapet pamusoro necheparutivi pemudhuri uyu pane chikwangwani chakanyorwa kuti mbi welding masters and skills kureva kuti panodzidzirwa zvekupisira simbi
iyi nzvimbo inoratidza kuti inzvimbo iri muguta guru kwazvo nekuti mugwagwa iri kuonekwa migwagwa ine tara nzvimbo iyi inooneka miti yakanaka zvikuru miti inoratidza kuti iri kuwana mvura yakakwana uyewo panoratidza chibhodhi chakanyorwa kunzi netone chinoratidza kuti kune kunoendwa kunonzi kucleveland
nzvimbo ine mudhuri kumativi pane mugwagwa wakakura wakaiswa tara kumativi munewo miti mimwe inoratidza kuti yava yekare yava kutooma
izvi zvinoratidza kunge ndezve hunanga pane nyanga pane midzi pane girazipane rezapane rinoita kunge imari ye koini kozoita dhishi ritsvuku nemucheka mutsvuku nemucheka muchena
mugwagwa wakapamhamha une tara mugwagwa umu muri kufamba motokari dzemhando yakasiyana kusanganisira bhazi guru rakanyorwa kunzi blue horizon rino ruvara rweredhi neyero pakati paro bhazi iri riri kuratidza kuti riri kutofamba nechekumberi kwacho kuri kubuda vanhu vari kufamba vamwe vakamira vari kuratidza kuti vari kutengesa
bhazi ririkufamba mukati menzira rakapendwa neruvara ruchena kumberi rine ruvara rweghirini nechekumashure kwaro rine nyanga mberi pamusoro paro
chanza chemunhu chakabata bhasikiti rine ruva bhasikiti iri rine ruvara rwebhurauni ruva iri rine maruva matsvuku uye namashizha egirini akanaka
chingoro chakamira padivi pemugwagwa nechekuruboshwe kwacho kune chikwangwani chinoratidza zvakanyorwa neruvara ruchena kwoita dzimba dzirimukati mejuraho mukati memiti
imba yakanaka uye yakaiswa mataira pamusoro yaka nyatsopendwa zvakanaka ndokuiswa rusvingo kunze pakasimwawo maruva nemiti
mhando yemarambi anobaka mu sitiriti akarongedzwa zvekuti vanoona vaone
mharadzano dzemigwagwa inetara pane murume arikuratidza kuti arikufamba adina heti mumusoro akapfeka sikipa ine maoko mapfupi netirauzi rekaki akapfeka shangu dzakavhurika
mureza wenyika une ruvara rutsvuku kumusoro rweyero pakati nerwegirinhi kwekupedzisira kwarwo pakati pane mucherechedzo wezvitsvuku nezvebhuruu zvakare
muneimwe nzvimbo irimudhorobha inoita sepachiteshi chemabhazi pane bhazi rakamirapo kozoti vamwe vanhu varikufamba kusanganisira mumwe murume anebhegi dema uye mudhembe mutema
zvechitendero iri ibhaibheri rakavhurwa uyewo rinekatambo katsvuku kari pakati pakavhurwa kumucheto kwebhaibheri kune ruvara rwebhurawuni
mudzimai arikufamba achipfuura nepadivi pemurume arikusunda chingoro chine mabhaketi mudzimai uyu akarukwa madhiredzi ane ruvara rwe bhurauni akapfeka nguo yokumusoro ine ruvara rweyero nechikabudura chine ruvara rutema
bukira remuti doko rine mashizha madoko egirinhi riri kumera richibva pamudzi mukuru wemuti uri muvhu
paimba yakavakwa nezvidhina zvakapendwa ne pendi chena namarata ina mafafitera maviri paine chibage panze chaka svibira
vanhu kadzi vakawungana vakawanda vakagara pazvigaro zvichena nezvitema vamwe vakaruka musoro vamwe avana panemotokare zhinji dzakatauka dzatakuara vanhu kuvawunganidza apo panemukadzi top nemha akasimuka arikutauara nevanhu avapanetendi chena irimberi
pedyo nemiti pane varume vechikuru vakagara ipapo kusanganisira umwe ane maboni boni kozoita mumwe anoita seakatsamwa kozoita umwe ane heti
nzvimbo inemudhuri yakanaka inependi inoratidza ichiritsva sezvo ichipenya mujinga macho mune zvihari zvinemaruva akanaka akatumbuka zvinobwinya pazasi pacho pane ma shedhi okuvharira zuva mota dzinomiswa muzasi mawo ruvazhi rwayo rwakarongerwa zvidhinha zvakagadzirwa necement zvakanaka
munhu wechirume akamira munhandare inoratidza kuti inotambirwa mitambo akapfekawo nhumbi dzineruvara rutema dzakanyorwa nezvichena pamberi mumawoko make akabatawo nhumbi ineruvara rwenhundurwa yakanyorwawo nezvitema uye nechekumashure kwake kurikuratidzawo kuti kune nzvimbo inogarirwa nevanhu vachiona zvirikuitika
nzvimbo yemumagirosa panezvitoro zvidikimotikare yakamira pazvitoro apa mhurwi wezvidhina yakawunganidza apa inotengeswa vanhu varikufamba vachiyenda panzvimbo iyi vakadzi vaviri varikufamba mumugwagwa vakatarisana nezvitoro
vanhu vakawanda vanofamba padivi remugwagwa unofamba motokari padivi rawo pane chitoro chihombe chinotengesa magirosari nezvimwe zvakadaro
sango rinoratidza kuti rine miti iri kubukira mashizha sezvo miti iyi ine zvimashizha zvakaita zvitoko zvinoratidza kuti zvitsva pasi pemiti iyi pane sora rinotaridza kuti rakaoma zvinobva zvaita kuti tifunge kuti inguva yechando kana kuti inguva yechirimo
rori ine ruvara ruchena neruvara rwegoridhe kumashure rakamira pane miti yakasvibira ine ruvara rwegirinhi iri nechekure
chidziro chinonyorerwa nevana vachiri vadiki chinoshandiswa nevana vadiki kudzidzira kunyora chineruvara rutema kumapeto kwacho kune ruvara rwe girinhi chakabatwa nemunhu uyewo chakanyorwa zvinhu pachiri
ndege chena iri kuratidza kuti mavhiri achangosimuka kubva pasikuti iri kusumuka kuenda mudenga itangise rwendo rwayokumashure kwayo kunoratidza miti nedondo zvinoratidza nzvimbo yairi kubva
motokari nhatu dzakapaka pachitoro imwe yewhite dzimwe two ndedzesilver asi dzese dzinoshandisa pakutakurisa vanhu
zvitina zvokuvaka zvakaunganidzwa padivi pefenzi hazvina kurongeka zvakanaka mukati mefenzi mune imba yakavakwa doko nemudhadhadha makamuri maviri hapasati pava neimba huru padivi pacho pane gadheni rino murio
mugwagwa unetara mugwagwa uyu unorataidza kuti wava nenguva yakareba sezvo wagadzirwa wava kuratidza kuti wava kuita makomba mujinga mawo wakarongerwa zvidhina zvakanaka zvakapendwa mavara matema nemachena
mugwagwa unopfuura motokari kunze kwawo kunotaridza nzvimbo yakanyangara inokandwa marara nemapa pose pose zvisina unotsvaira zvinongokandwa zvichisiiwapo
chitoro chakarongedzwa zvishongo zvomucheno zvakawanda zvamarudzi akasiyana siyanamune shambo dzomuhuro poitawo dzomuroko munewo zviringazuva nemhete dzakagadzirwa zvakasiyana siyana
miti yakamira yakatevedzana mitete mirefu ine mashizha egirini pasi payo pane mimvuri uye matombo akawanda akasangana nejecha mumugwagwa unofambira vanhu mudiki
makore ayo arikuratidza kuti ari mudenga ane ruvara ruchena mudenga muine ruvara rwe bhuruu kazhinji makore aya akanyanya kuwanda akaungana panzvimbo imwechete kunotanga kunaya
README.md exists but content is empty. Use the Edit dataset card button to edit it.
Downloads last month
12
Edit dataset card